Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

Dzidzisa Nechido

Dzidzisa Nechido

Kana tiine chido, zvinongoitika zvega kuti vamwe vavewo nechido. Kana tichidzidzisa nechido, vanhu vachanyatsoteerera zvatinenge tichitaura. Kuva nechido kunoratidzawo kuti mashoko atiri kutaura anokosha. Pasinei nekwatinobva kana kuti tiri vanhu vanonyara here, tinogona kutaura nechido. (VaR 12:11) Tinozviita sei?

Chekutanga, funga nezvekukosha kwemashoko auinawo. Une chikomborero ‘chekuzivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka.’ (VaR 10:15) Chechipiri, funga kubatsirwa kuchaitwa vanhu nemashoko akanaka. Zvakakosha chaizvo kuti vanzwe mashoko aya. (VaR 10:13, 14) Chekupedzisira, taura nechido, uye zvaunoita chiso chako nemuviri wako ngazviratidze kuti uri kutaura zvinobva pasi pemwoyo.

ONA VHIDHIYO YAKANZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI—VANDUDZA UNYANZVI HWAKO—KUDZIDZISA NECHIDO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chii chakaita kuti chido chaNeeta chekuramba achidzidza Bhaibheri naJade chiderere?

  • Chii chakamubatsira kuti avezve nechido?

  • Kana tiine chido, zvinongoitika zvega kuti vamwe vavewo nechido

    Nei tichifanira kuisa pfungwa pane zvinhu zvakanaka zvinoitwa nevateereri vedu?

  • Chii chinogona kuitika kuzvidzidzo zvedu zveBhaibheri nevamwewo kana tiine chido?