KURARAMA KWECHIKRISTU
Mirayiro yaJehovha Yakarurama Uye Inoratidza Uchenjeri
Tinoratidza kuti tine uchenjeri uye tinonzwisisa patinoteerera mirayiro yaMwari (Dhe 4:6; it-2-E 1140 ¶5)
Vanhu vakawanda pavanocherechedza zvatinoita vanoona kuti mirayiro yaMwari inoratidza uchenjeri (Dhe 4:6; w99 11/1 20 ¶6-7)
Vanhu vaJehovha vanorarama upenyu hwakanaka kupfuura hwevanhu vemamwe marudzi (Dhe 4:7, 8; w07 8/1 29 ¶13)
Vanhu vakawanda vanouya kusangano raJehovha pavanoona unhu hwakanaka hwevaya vanorarama zvinoenderana nemitemo yaMwari.
Makomborero api awakawana anobva pakuteerera mirayiro yaJehovha?