PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Dzinga Vagari Vese Vemunyika Yacho”
Jehovha akarayira vanhu vake kuti vabvise zvinhu zvese zvaigona kuvakanganisa (Nu 33:52; w10 8/1 23)
Jehovha aizokomborera kushanda kwavo nesimba kuti vatore Nyika Yakapikirwa (Nu 33:53)
VaIsraeri vaizosangana nematambudziko kana vakasadzinga vavengi vavo vese munyika yacho (Nu 33:55, 56; w08 2/15 27 ¶5-6; it-1-E 404 ¶2)
Kuti tifadze Jehovha, tinofanira kusiyana nezvinhu zvese zvinogona kusvibisa kunamata kwedu kana tsika dzedu. (Jak 1:21) Jehovha anotipa simba rekukunda zvido zvakaipa zviri matiri uye zvinhu zvinosvibisa zviri munyika ino.