Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

Shandisa Mienzaniso Pakusimbisa Pfungwa Dzinokosha

Shandisa Mienzaniso Pakusimbisa Pfungwa Dzinokosha

Patinodzokera kunoona vanhu kana kuti patinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri, tinofanira kubatsira vatinodzidza navo kunzwisisa pfungwa dzinokosha. Kana tikashandisa mienzaniso pakusimbisa pfungwa idzi, tichanyatsosvika pamwoyo yavo uye havakurumidzi kudzikanganwa.

Paunenge uchigadzirira kudzokera kunoona mumwe munhu kana chidzidzo chako cheBhaibheri, tsvaga kuti pfungwa dzinokosha ndedzipi wosiyana nezvimwe zvinhu zvisinganyanyi kukosha. Chitsvaga mienzaniso iri nyore kunzwisisa yaunoda kuzoshandisa kujekesa pfungwa dzinokosha dzawawana. (Mt 5:14-16; Mk 2:21; Ru 14:7-11) Unofanira kushandisa mienzaniso inoenderana neupenyu hwake kana kuti zvaanenge achitoita panguva iyoyo. (Ru 5:2-11; Joh 4:7-15) Uchawedzera kufara paunoona kufara kwaanoita kana anzwisisa zvauri kumudzidzisa.

ONA VHIDHIYO INONZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZIVANDUDZA UNYANZVI HWAKOSHANDISA MIENZANISO PAKUSIMBISA PFUNGWA DZINOKOSHA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Nei vadzidzi vangada kubatsirwa kuti vanzwisise mavhesi eBhaibheri?

  • Neeta akashandisa muenzaniso upi kuti ajekese pfungwa iri pana VaRoma 5:12?

  • Mienzaniso yakanaka inonyatsosvika pamwoyo

    Kushandisa mienzaniso yakanaka kunobatsira sei vadzidzi vedu?

  • Patinenge tichiita ushumiri hwedu, nei tichifanira kushandisa mavhidhiyo nemamwe maturusi ekudzidzisa atinopiwa nesangano raJehovha?