Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kurangwa Chiratidzo Chekuti Jehovha Anotida

Kurangwa Chiratidzo Chekuti Jehovha Anotida

Shoko rekuti kuranga rinowanzoreva kurayira nekudzidzisa, asi rinosanganisirawo kutsiura. Jehovha anotiranga kuti tikwanise kumunamata nenzira yaanoda. (VaR 12:1; VaH 12:10, 11) Dzimwe nguva kurangwa kunorwadza, asi kunoita kuti tive vanhu vakarurama uye tikomborerwe. (Zvi 10:7) Vaya vanopa chirango uye vanopiwa vanofanira kuyeukei?

Vanopa. Vakuru vemuungano, vabereki, nevamwewo vanoedza kupa chirango zvakanaka uye zvine rudo sezvinoitwa naJehovha. (Jer 46:28) Kunyange kana munhu achifanira kutsiurwa zvakasimba, zvinofanira kuitwa zvichienderana nezvaakanganisa uye zvichiitwa nerudo.—Tit 1:13.

Vanopiwa. Pasinei nekuti inzira ipi yashandiswa pakutipa chirango, tinofanira kukurumidza kuchigamuchira. (Zvi 3:11, 12) Sezvo tiri vanhu vanokanganisa, tese tinoda kurangwa, uye chirango chacho chinouya nenzira dzakasiyana-siyana. Pamwe pacho, tinogona kuzviona patinenge tichiverenga Bhaibheri kana kuti patinenge tiri pamisangano. Dzimwe nguva, vamwe vangatofanira kubatsirwa nedare rinotonga. Kubvuma kurangwa kunoita kuti tiwane upenyu.—Zvi 10:17.

ONA VHIDHIYO INONZI “JEHOVHA ANORANGA VAANODA,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Pakutanga, Hama Bonaldi vairarama upenyu hwakaita sei, asi hwakazochinja sei?

  • Jehovha akavabatsira achishandisa nzira ipi?

  • Gamuchira nemwoyo wese chirango chinobva kuna Jehovha

    Zvakaitika kwavari zvinotidzidzisei?