KURARAMA KWECHIKRISTU
Kurangwa Chiratidzo Chekuti Jehovha Anotida
Shoko rekuti kuranga rinowanzoreva kurayira nekudzidzisa, asi rinosanganisirawo kutsiura. Jehovha anotiranga kuti tikwanise kumunamata nenzira yaanoda. (VaR 12:1; VaH 12:10, 11) Dzimwe nguva kurangwa kunorwadza, asi kunoita kuti tive vanhu vakarurama uye tikomborerwe. (Zvi 10:7) Vaya vanopa chirango uye vanopiwa vanofanira kuyeukei?
Vanopa. Vakuru vemuungano, vabereki, nevamwewo vanoedza kupa chirango zvakanaka uye zvine rudo sezvinoitwa naJehovha. (Jer 46:28) Kunyange kana munhu achifanira kutsiurwa zvakasimba, zvinofanira kuitwa zvichienderana nezvaakanganisa uye zvichiitwa nerudo.—Tit 1:13.
Vanopiwa. Pasinei nekuti inzira ipi yashandiswa pakutipa chirango, tinofanira kukurumidza kuchigamuchira. (Zvi 3:11, 12) Sezvo tiri vanhu vanokanganisa, tese tinoda kurangwa, uye chirango chacho chinouya nenzira dzakasiyana-siyana. Pamwe pacho, tinogona kuzviona patinenge tichiverenga Bhaibheri kana kuti patinenge tiri pamisangano. Dzimwe nguva, vamwe vangatofanira kubatsirwa nedare rinotonga. Kubvuma kurangwa kunoita kuti tiwane upenyu.—Zvi 10:17.
ONA VHIDHIYO INONZI “JEHOVHA ANORANGA VAANODA,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Pakutanga, Hama Bonaldi vairarama upenyu hwakaita sei, asi hwakazochinja sei?
-
Jehovha akavabatsira achishandisa nzira ipi?
-
Zvakaitika kwavari zvinotidzidzisei?