Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Tava Kumapeto ‘Kwemazuva Ekupedzisira’ Saka Gara Wakagadzirira

Tava Kumapeto ‘Kwemazuva Ekupedzisira’ Saka Gara Wakagadzirira

Sezvo tiri kurarama kumapeto ‘kwemazuva ekupedzisira,’ tinotarisira kuti matambudziko achawedzera. (2Ti 3:1; “marwadzo anotambudza” nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 24:8, nwtsty) Vanhu vaJehovha pavanenge vakatarisana nenjodzi, kazhinji vanopiwa mirayiridzo inovaponesa uye inouya panguva chaiyo. Saka kupona kwedu kunogona kubva pakugadzirira kwatinoita iye zvino.—Ru 16:10.

  • Gadzirira panyaya dzekunamata: Iva nepurogiramu yakanaka yekuita zvinhu zvekunamata. Dzidzira kuparidza nenzira dzakasiyana-siyana. Ramba wakadzikama kana ukamboita nguva usingakwanisi kuonana nevamwe vari muungano. (Isa 30:15) Yeuka kuti Jehovha naJesu vanogara vari pedyo newe.—od 176 ¶15-17

  • Gadzirira zvimwe zvinhu zvinokosha: Iva nebhegi raunogara wakaisa zvinhu zvinokosha. Kuwedzera pane izvozvo, mhuri imwe neimwe inofanira kugara iine zvekudya, mvura, mishonga, nezvimwewo zvinhu zvinodiwa kuitira kana pakaitika chimwe chinhu chinovatadzisa kubva pamba kwenguva yakati kuti.—Zvi 22:3; g17.5 4, 6

ONA VHIDHIYO INONZI WAKAGADZIRIRA HERE NJODZI DZINONGOITIKA DZEGA? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Tingagadzirira sei panyaya dzekunamata?

  • Nei zvakakosha kuti . . .

    • tirambe tichitaura nevakuru?

    • ugare uine bhegi rine zvinhu zvekuzoshandisa kana pakaitika njodzi?

    • mukurukure nezvenjodzi dzinogona kuitika uye zvamungaita kana dzikaitika?

  • Inzira dzipi nhatu dzatingabatsira nadzo vanenge vawirwa nenjodzi?

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Kupararira kwechirwere cheCOVID-19 kwandidzidzisei nezvekukosha kwekugara ndakagadzirira?’