Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvidzore

Zvidzore

Sevanhu vane chivi, tinotofanira kushanda nesimba kuti tizvidzore pane zvatinoita uye zvatinoshuva. Kana tikasazvidzora, tinogona kupedzisira tisisafarirwi naJehovha. Semuenzaniso, vamwe vanonyanya kuda zvekudya, zvekupfeka uye pekugara kupfuura kuda kwavanoita Mwari. Vamwe vanozadzisa zvido zvavo zvepabonde vasingambofungi kuti mitemo yaMwari inoti kudii. (VaR 1:26, 27) Vamwewo ndiwo vanongotevedzera zvinoitwa nevamwe nemhaka yekuti vanenge vachida kufarirwa.—Eks 23:2.

Zvii zvatingaita kuti tizvidzore? Tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tiise pfungwa dzedu pane zvinodiwa naMwari. (Mt 4:4) Uyewo tinofanira kunyengetera tichikumbira kuti Jehovha atibatsire kuzvidzora. Nei tichifanira kudaro? Nekuti anoziva zvakatinakira uye anonyatsoziva zvekuita kuti agutse zvido zvakanaka zvatiinazvo.—Pis 145:16.

ONA VHIDHIYO INONZI USAKANGANISA UPENYU HWAKO NEKUPUTA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Nei vamwe vanhu vachiputa?

  • Kuputa kunogona kukukanganisa sei?

  • Kuputa nekuita zvevaping kwakaipirei?—2VaK 7:1

  • Unogona kukurira chido chekuputa!

    Zvii zvaungaita kuti usabvuma kufurirwa kuputa kana kuti ungaita sei kuti usiye tsika yacho?