Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Shandisa Bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! Kusimbisa Kutenda Muna Jehovha naJesu

Shandisa Bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! Kusimbisa Kutenda Muna Jehovha naJesu

Kuti vafadze Mwari, vadzidzi veBhaibheri vanofanira kusimbisa kutenda kwavo. (VaH 11:6) Tinogona kuvabatsira kuita izvi tichishandisa bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! Bhuku iri rine mavhesi anokosha, pfungwa nemibvunzo zvinobatsira munhu kuti afunge, mavhidhiyo anobaya mwoyo uye mapikicha akanaka. Kana tikabatsira vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vave neunhu hwechiKristu uye ushamwari naMwari, tinenge tichivaka nezvinhu zvisingatsvi.—1VaK 3:12-15.

Vamwe vanhu vanoomerwa nekubvuma kuti vanogona kuva neushamwari naMwari wavasingaoni. Saka tinofanira kuvabatsira kuti vazive Jehovha uye vavimbe naye.

ONA VHIDHIYO INONZI SIMBISA KUTENDA MUNA JEHOVHA UCHISHANDISA BHUKU RINONZI “RARAMA NEKUSINGAPERI UCHIFARA!” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Tinoziva sei kuti hanzvadzi iyi yanga yakanyatsogadzirira chidzidzo ichi?

  • Yashandisa sei mimwe mibvunzo yekuwedzera pavanga vachikurukura Isaya 41:10, 13 kuti mudzidzi abudise zviri mumwoyo make?

  • Mudzidzi abatsirwa sei nevhidhiyo uye mavhesi eBhaibheri?

Vamwe vanhu havanzwisisi nyaya yerudzikinuro uye havaoni sekuti chipo chavakapiwa naMwari. (VaG 2:20) Saka tinofanira kuvabatsira kuti vave nekutenda muchibayiro cherudzikinuro chaJesu.

ONA VHIDHIYO INONZI SIMBISA KUTENDA MUNA JESU UCHISHANDISA BHUKU RINONZI “RARAMA NEKUSINGAPERI UCHIFARA!” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Tinoziva sei kuti hama iyi yanga yakanyatsogadzirira chidzidzo ichi?

  • Ashandisa sei chikamu chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza” kuti abatsire mudzidzi wake?

  • Nei zvichikosha kuti mudzidzi anyengetere?