Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

“Rudo . . . Rune Tariro Pazvinhu Zvese”

“Rudo . . . Rune Tariro Pazvinhu Zvese”

Rudo runoita kuti tive netariro yekuti hama dzedu dzichaita zvisarudzo zvakanaka. (1VaK 13:4, 7) Semuenzaniso, kana hama ikaita chivi yobva yapiwa chirango, tinoramba tiine tariro yekuti ichagadzirisa ushamwari hwayo naJehovha. Tinoratidza mwoyo murefu kune vaya vane kutenda kusina kusimba, uye tinoedza kuvabatsira. (VaR 15:1) Kana munhu akasiya sangano, tinoramba tiine tariro yekuti rimwe zuva achadzoka.—Ru 15:17, 18.

ONA VHIDHIYO INONZI YEUKA ZVAKAITA RUDO—RUNE TARIRO PAZVINHU ZVESE, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Abhineri akatanga achitsigira ani, akazopedzisira ava kutsigira ani?

  • Abhineri paakauya nechikumbiro chake, Dhavhidhi akaita sei uye Joabhi akaita sei?

  • Nei tichifanira kuva nechivimbo chekuti hama dzedu dzinoda kuita zvinhu zvakanaka?