Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Wagadzirira Here Zvekuita Kana Zvinhu Zvikangoerekana Zvisisina Kugadzikana Munyika?

Wagadzirira Here Zvekuita Kana Zvinhu Zvikangoerekana Zvisisina Kugadzikana Munyika?

Sezvo tava pedyo nemugumo, tinotarisira kuti kusagadzikana kwezvinhu munyika, ugandanga, nehondo zvichawedzera. (Zva 6:4) Zvii zvatingaita kuti tigadzirire kuzosangana nematambudziko iwayo?

  • Gadzirira panyaya dzekunamata: Tsvaga mavhesi nenyaya dziri muBhaibheri zvichaita kuti uwedzere kuvimba naJehovha nesangano rake uye zvichakubatsira kuti urambe usina divi raunotsigira. (Zvi 12:5; jr 125-126 ¶23-24) Iye zvino ndiyo nguva yekusimbisa ushamwari hwedu nevamwe muungano.—1Pe 4:7, 8

  • Gadzirira zvimwe zvinhu zvinokosha: Gara wakaronga zvauchaita kana usingakwanisi kubva pamba uye gara wakachengeta zvekudya nezvimwe zvekushandisa. Rongaiwo kuti muchaita sei kana muchifanira kubva pamba. Tarisa zvinhu zviri mubhegi rako rekushandisa kana paitika panjodzi uye isawo mari nezvinhu zvekuzvidzivirira nazvo zvakadai semamask. Gara uine nhamba dzefoni dzevakuru, uye vapewo nhamba dzako.—Isa 32:2; g17.5 3-7

Zvinhu pazvinenge zvisina kugadzikana, ramba uchiita zvinhu zvekunamata. (VaF 1:10) Usangofamba-famba. (Mt 10:16) Ipawo vamwe zvekudya nezvimwe zvekushandisa.—VaR 12:13.

ONA VHIDHIYO INONZI WAKAGADZIRIRA NJODZI HERE? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Jehovha anotibatsira sei panoitika njodzi?

  • Zvii zvatingaita kuti tigadzirire?

  • Tingabatsira sei vamwe kana vawirwa nenjodzi?