Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Taura Nezvezvinhu Zviri Kuitika Munyika Paunenge Uri Muushumiri

Taura Nezvezvinhu Zviri Kuitika Munyika Paunenge Uri Muushumiri

Paaiita ushumiri hwake, Jesu aitaura nezvezvinhu zvaiitika munyika kuti adzidzise vanhu zvinhu zvinokosha. (Ru 13:1-5) Unogonawo kutaura zvinhu zviri kuitika munyika kuti uite kuti vanhu vade kunzwa mashoko eUmambo. Semuenzaniso, unogona kutanga nekutaura nezvekudhura kwezvinhu, njodzi dzinongoitika dzega, kusagadzikana kwezvinhu munyika, zvemadhiragi, kana dzimwewo nyaya, wobva wazobvunza mubvunzo unoita kuti munhu afunge. Unogona kuti: “Munofunga kuti . . . . zvichazombopera here?” kana kuti “Munofunga kuti zvii zvinodiwa kuti dambudziko re. . . . rigadziriswe?” Chibva wamuverengera vhesi inotaura nezvenyaya iyoyo. Kana munhu wacho akafarira, muratidze vhidhiyo kana chimwe chezvinhu zviri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. Patinenge tichiedza kusvika pamwoyo yevanhu vari mundima yedu, ngatiitei “zvinhu zvese nekuda kwemashoko akanaka.”—1VaK 9:22, 23.

Inyaya dzipi dzinofarirwa nevanhu vemundima maunogara?