Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ngwarira Vanhu Vakatsauka Pakutenda

Ngwarira Vanhu Vakatsauka Pakutenda

Satani nevanhu vake vanowanzosanganisa chokwadi nenhema vachida kukanganisa kutenda kwedu. (2VaK 11:3) Ndizvo zvakaitwa nevaAsiriya. Pamwe pacho vakatotaura nhema chaidzo vachida kuodza mwoyo yevanhu vaJehovha. (2Mak 32:10-15) Ndizvo zvinoitwawo nevanhu vakatsauka pakutenda mazuva ano. Tinofanira kuita sei nezvavanotaura? Mashoko avo muchetura. Usaverenga zvavanonyora, usazvipindura uye usazviudza vamwe. Iva munhu akangwarira ukurumidze kuona zvinhu zvinoita kuti usava nechokwadi nezvaJehovha nesangano rake. Ramba mashoko iwayo uye siyana nawo!—Jud 3, 4.

ONA VHIDHIYO INONZI RWIRAI ZVAKASIMBA KUTENDA’!​—CHIDIMBU, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Nei tichifanira kungwarira patinokurukura nevamwe paindaneti?

  • Tingashandisa sei zano riri pana VaRoma 16:17?