Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Uri Kuteerera Bhaibheri Rakarekodhwa Here?

Uri Kuteerera Bhaibheri Rakarekodhwa Here?

Bhaibheri racho rakaita sei? Bhaibheri iri rakarekodhwa pachishandiswa Shanduro yeNyika Itsva yakadzokororwa. Riri kubudiswa zvishoma nezvishoma mumitauro yakawanda. Chimwe chakanyanya kunaka paBhaibheri iri rakarekodhwa ndechekuti paishandiswa mazwi evanhu vakasiyana-siyana. Vanhu vacho vaiverenga vachisimbisa mashoko akakodzera uye vachibudisa manzwiro anoenderana nenyaya yacho kuitira kuti vanhu vanzwe pfungwa dzakarurama dziri muShoko raMwari.

Vamwe vari kubatsirwa sei nekuteerera Bhaibheri rakarekodhwa? Vakawanda vari kuti Bhaibheri racho rinoita kuti vanyatsoona zviri kutaurwa. Vanoti kunzwa manzwi evanhu vakasiyana-siyana kunovabatsira kuti vakwanise kufungidzira zvaiitika uye kunzwisisa nyaya yacho. (Zvi 4:5) Vakawanda vanoti kuteerera Bhaibheri rakarekodhwa kunovazorodza pavanenge vachizvidya mwoyo.—Pis 94:19.

Kunzwa Shoko raMwari richiverengwa kunogona kuchinja upenyu hwedu. (2Mak 34:19-21) Kana Bhaibheri rakarekodhwa richiwanika mumutauro waunonzwisisa, wadii kupota uchiriteerera.

ONA VHIDHIYO INONZI KUGADZIRWA KWEBHAIBHERI RAKAREKODWA ROKUTEERERA​—CHIDIMBU, WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:

Chii chawafarira pakugadzirwa kunoitwa Bhaibheri rakarekodhwa?