Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Wana Mufaro Unobva Pakutanga Kukurukura Nevanhu

Wana Mufaro Unobva Pakutanga Kukurukura Nevanhu

Kukurukura nevanhu zvisina kurongwa ndeimwe nzira yekuparidza inonakidza uye inobudirira chaizvo. Asi tinogona kutya kutanga kutaura nevanhu kana tikanyanya kufunga nezvekuti tichazochinja sei nyaya yedu kuti tichitanga kuparidza. Pane kunetseka kuti ndezvipi zvauchataura kuti uparidzire munhu wacho, ingoita zvinhu zvinoratidza kuti une hanya naye. (Mt 22:39; VaF 2:4) Kana mukana wekuparidzira ukamuka pamunenge muchikurukura, une maturusi akawanda anokubatsira.

Maturusi anotevera angakubatsira sei kuti uparidze paunenge uchikurukura nemunhu?

ONA VHIDHIYO INONZI “SIMBI INORODZA SIMBI”KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU, WOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:

Zvinhu zvipi zvitatu zvingatibatsira kuti tiwedzere unyanzvi hwekukurukura nevanhu?