Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvione Semaonerwo Aunoitwa naJehovha

Zvione Semaonerwo Aunoitwa naJehovha

“Jehovha anofarira vanhu vake.” (Pis 149:4) Kunyange zvazvo tichitadza, anoona zvakanaka zvatinoita uye zvatinokwanisa kuzoita mune ramangwana. Asi pane dzimwe nguva, zvinogona kutiomera kuti tione zvakanaka zvatinoita. Tinogona kuzvitarisira pasi tichizviona setisingakoshi nemhaka yemabatirwo atinoitwa nevamwe. Kana kuti patinofunga zvinhu zvatakambokanganisa kare, tinogona kubva tafunga kuti Jehovha haazombofi akatida. Chii chingatibatsira kana tikava nepfungwa dzakadaro?

Yeuka kuti Jehovha anoona zvinhu zvisingakwanisi kuonekwa nevanhu. (1Sa 16:7) Izvi zvinoreva kuti anokwanisa kuona zvakanaka patiri, zvatisingakwanisi kuona isu pachedu. Bhaibheri rinotibatsira kuti tinzwisise maonerwo atinoitwa naJehovha. Patinoverenga nyaya dzirimo dzinoratidza kuti Jehovha anoda zvakadii vashumiri vake, tinobva tanzwisisa maonero aanotiita.

ONA VHIDHIYO INONZI NYENGETEDZA MWOYO WAKO PAMBERI PAJEHOVHA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Muenzaniso wababa nemwana wavo aimhanya unotidzidzisei nezvemaonerwo atinoitwa naJehovha?

  • Kana munhu akaita chivi chakakura uye oita zvese zvinodiwa kuti agadzirise ushamwari hwake naJehovha, zvii zvaangaita kuti mwoyo wake uve nechokwadi pamberi paMwari?—1Jo 3:19, 20

  • Hama iyi yakabatsirwa sei nekuverenga uye kufungisisa nyaya yaDhavhidhi neyaJehoshafati?