Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Jehovha ‘ndiBaba Venherera’”

Jehovha ‘ndiBaba Venherera’”

Gore rega rega, vechidiki vakawanda vanosarudza kuva shamwari dzaJehovha. (Pis 110:3) Jehovha anoda chaizvo mumwe nemumwe wenyu. Anonzwisisa matambudziko ese amunosangana nawo uye anovimbisa kuti achakubatsirai kuti mumushumire. Kana uri kurerwa nemubereki mumwe chete, yeuka kuti Jehovha ‘ndiBaba venherera.’ (Pis 68:5) Kana ukashandisa zvatinodzidziswa naJehovha, uchabudirira pasinei nekuti zvinhu zvakamira sei kumba.—1Pe 5:10.

ONA VHIDHIYO INONZI VANHU VARI KUBUDIRIRA KURWIRA KUTENDA—VAYA VARI KURERWA NEMUBEREKI MUMWE CHETE, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Wadzidzei kubva pane zvakaitika kuna Tammy, Charles, naJimmy?

  • Vaya vanorerwa nemubereki mumwe chete vanovimbiswei pana Pisarema 27:10?