Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

“Tendai Muna Jehovha Mwari Wenyu”

“Tendai Muna Jehovha Mwari Wenyu”

Jehoshafati nevaJudha pavakatyisidzirwa nemuvengi vakanyengetera kuna Jehovha kuti avabatsire (2Mak 20:12, 13; w14 12/15 23 ¶8)

Jehovha akanyaradza vanhu vake uye akavapa mirayiridzo yakajeka yezvavaifanira kuita (2Mak 20:17)

Jehovha akaponesa vanhu vake nekuti vakatenda maari (2Mak 20:21, 22, 27; w21.11 16 ¶7)

Gogi paacharwisa vanhu vaJehovha pakutambudzika kukuru, vaya vanotenda muna Jehovha uye vanovimba nevanhu vaanoshandisa kutungamirira vachange vasina chekutya.—2Mak 20:20.