Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Wagadzirira Here Zvekuzoita Kana Zvinhu Zvisisina Kugadzikana Panyaya Dzeupfumi?

Wagadzirira Here Zvekuzoita Kana Zvinhu Zvisisina Kugadzikana Panyaya Dzeupfumi?

Hativhunduki kana zvinhu zviri kuitika pasi rese zvikaita kuti vanhu vaomerwe neupenyu. Nemhaka yei? Nekuti tiri kurarama kumapeto kwemazuva ekupedzisira uye Bhaibheri rinotiudza kuti tisaisa tariro yedu “papfuma inogona kungoparara.” (1Ti 6:17; 2Ti 3:1) Zvakaitwa naMambo Jehoshafati zvinotibatsira sei kuti tigare takagadzirira matambudziko anokonzerwa nekuderera kwezveupfumi?

Jehoshafati paakatyisidzirwa nevavengi, akavimba naJehovha. (2Mak 20:9-12) Anewo zvaakaita kuti adzivirire vanhu. Akavaka nhare nemasvingo ekukomberedza maguta uye akaisa mapoka evarwi. (2Mak 17:1, 2, 12, 13) Sezvakangoitwawo naJehoshafati, isu tinovimba naJehovha uye tinewo matanho atinofanira kutora kuti tigadzirire zvinhu zvisati zvaipa.

ONA VHIDHIYO INONZI WAKAGADZIRIRA NJODZI HERE? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Zvii zvatingaita kuti tigadzirire kana pakazoitika njodzi?

  • Zvii zvatingaita kuti tizobatsirawo vamwe?