June 17-23
PISAREMA 51-53
Rwiyo 89 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. Zvaungaita Kuti Usaita Zvikanganiso Zvakakura
(10 min.)
Usafunga kuti hausi kuzombofa wakakanganisa; munhu wese akaberekwa achida kuita zvakaipa (Pis 51:5; 2VaK 11:3)
Ramba uchiita zvinhu zvichaita kuti urambe uri pedyo naJehovha (Pis 51:6; w19.01 15 ¶4-5)
Rwisa zvido uye pfungwa dzisina kuchena (Pis 51:10-12; w15 6/15 14 ¶5-6)
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
-
Pis 52:2-4—Mavhesi aya anotiudzei nezvaDhoegi? (it-1-E 644)
-
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Pis 51:1-19 (th chidzidzo 12)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(2 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. (lmd chidzidzo 7 pfungwa 3)
5. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(2 min.) PAIMBA NEIMBA. (lmd chidzidzo 4 pfungwa 4)
6. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(3 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Ita kuti munhu wacho azive zita raMwari. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 5)
7. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
Rwiyo 115
8. Ungaita Sei Kuti Ugadzirise Zvawakakanganisa?
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
Pasinei nekuti tinoedza zvakadii kuita zvakanaka, tese tinokanganisa. (1Jo 1:8) Kana takanganisa, hatifaniri kurega kunyara kana kutya kurangwa kuchititadzisa kukumbira Jehovha kuti atiregerere uye atibatsire. (1Jo 1:9) Kunyengetera kuna Jehovha ndiro danho rekutanga ratinofanira kutora kuti tigadzirise zvatakakanganisa.
Verengai Pisarema 51:1, 2, 17, mobvunza vateereri kuti:
-
Mashoko aDhavhidhi anotibatsira sei kuti tikumbire kubatsirwa naJehovha patinoita zvikanganiso zvakakura?
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kuyaruka Kwangu—Ndingaita Sei Kuti Ndigadzirise Zvandakakanganisa?, mobvunza vateereri kuti:
-
Ndezvipi zvimwe zvakaita kuti Thalila naJosé vakanganise?
-
Ndezvipi zvavakaita kuti vagadzirise zvavakanga vakanganisa?
-
Kugadzirisa kwavakaita zvavainge vakanganisa kwakavabatsira sei?
9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) bt chits. 11 ¶5-10, bhokisi riri papeji 89