Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

June 3-9

PISAREMA 45-47

June 3-9

Rwiyo 27 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Jesu Kristu nemwenga wake, uyo anomiririra vane 144 000

1. Rwiyo Rune Chekuita Nemuchato Wamambo

(10 min.)

Pisarema 45 rinotaura nezvemuchato waMambo Mesiya (Pis 45:​1, 13, 14; w14 2/15 9-​10 ¶8-9)

Muchato waMambo uchaitwa pashure peAmagedhoni (Pis 45:​3, 4; w22.05 17 ¶10-​12; ona mufananidzo uri pakavha)

Muchato uyu uchaita kuti vanhu vese vawane makomborero (Pis 46:​8-​11; it-2-E 1169)


ZVIBVUNZE KUTI, ‘Mwoyo wangu uri “kufashaira” here nechido chekuzivisa mashoko akanaka nezvaMambo wedu Jesu Kristu?’​—Pis 45:1.

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 45:16​—Vhesi iyi inotidzidzisei nezvezvichange zvakaita upenyu muParadhiso? (w17.04 11 ¶9)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 3)

5. Hurukuro

(5 min.) ijwbv 26​—Musoro: Mashoko ari pana Pisarema 46:​10 anorevei? (th chidzidzo 18)

6. Kutsanangura Zvaunotenda

(4 min.) Muenzaniso. g-E 12/10 22-​23​—Musoro: Unoona Sei Nyaya Yeungochani? (lmd chidzidzo 6 pfungwa 5)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 131

7. Ramba Uchiratidza Rudo Muwanano Yako

(10 min.) Kukurukura nevateereri.

Michato inonakidza. (Pis 45:​13-​15) Kazhinji, zuva remuchato ndiro zuva rinonyanya kufara vanhu vanenge varoorana. Asi vangaitei kuti varambe vachifara muupenyu hwavo?​—Mup 9:9.

Kuti varambe vachifara vanofanira kuramba vachiratidzana rudo. Vakaroorana vanofanira kutevedzera zvaiitwa naIsaka naRibheka. Bhaibheri rinotiudza kuti kunyange pashure pemakore 30 varoorana, vakanga vachiri kuratidzana rudo. (Ge 26:8) Chii chingabatsira vakaroorana kuti varatidze kuti vanodanana?

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kuti Mhuri Ifare: Ratidzanai Rudo, mobvunza vateereri kuti:

  • Chii chingaita kuti vakaroorana vasaratidzana rudo?

  • Vakaroorana vangaitei kuti mumwe nemumwe anzwe kuti anodiwa uye anokosheswa?​—Mab 20:35

8. Zvemuungano Yenyu

(5 min.)

9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 111 Nemunyengetero