Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

May 20-26

PISAREMA 40-41

May 20-26

Rwiyo 102 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Sei Tichifanira Kubatsira Vamwe?

(10 min.)

Kubatsira vamwe kunoita kuti tifare (Pis 41:1; w18.08 22 ¶16-18)

Jehovha anobatsira vaya vanobatsira vamwe (Pis 41:​2-4; w15 12/15 24 ¶7)

Patinobatsira vamwe, tinoita kuti Jehovha arumbidzwe (Pis 41:13; Zvi 14:31; w17.09 12 ¶17)

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Pane mumwe munhu wemuungano medu anoda kubatsirwa kuti agone kushandisa JW Library here?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 40:​5-10—Maererano nemunyengetero waDhavhidhi, munhu anoratidza sei kuti anonzwisisa uye anobvuma kuti Jehovha ndiye Changamire? (it-2-E 16)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Tanga kukurukura nemumwe munhu ari kufara. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 3)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Tanga kukurukura nemumwe munhu asiri kufara. (lmd chidzidzo 3 pfungwa 5)

6. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

(5 min.) lff chidzidzo 14 pfungwa 6. Kurukura nemudzidzi anozeza kupindura pamisangano uchishandisa imwe pfungwa iri munyaya yakanzi “Rumbidza Jehovha Muungano” iri pachikamu chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza.” (th chidzidzo 19)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 138

7. Itira Zvakanaka Hama Nehanzvadzi Dzakwegura

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Jehovha anokoshesa basa rinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu dzakwegura, uye nesuwo tinorikoshesa. (VaH 6:10) Vava nemakore vachidzidzisa uye vachikurudzira hama nehanzvadzi dzavo. Pamwe unotoyeuka kuti vakakubatsira sei. Ungaratidza sei kuti unokoshesa zvese zvavakaita muungano uye zvavachiri kuita?

Ratidzai VHIDHIYO inonzi ‘Itira Hama Dzedu Zvakanaka,’ mobvunza vateereri kuti:

  • Ji-Hoon akadzidzei kubva kuna Hama Ho-jin Kang?

  • Chii chinoita kuti ukoshese hama nehanzvadzi dzakwegura dziri muungano yenyu?

  • Tinodzidzei pamufananidzo wemuSamariya akanaka?

  • Unofunga kuti zvakaitwa naJi-Hoon zvekuita kuti ashandewo nevamwe pakubatsira Hama Ho-jin Kang zvakanakirei?

Kana tikanyatsofunga zvinodiwa nevakwegura vari muungano yedu, tinogona kuwana mikana yakawanda yekuvabatsira. Kana ukaona kuti pane anoda kubatsirwa, funga zvaungaita kuti umubatsire.—Jak 2:​15, 16.

Verengai VaGaratiya 6:10 mobvunza vateereri kuti:

  • Ndezvipi “zvakanaka” zvaungaitira vakwegura vari muungano yenyu?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 8 Nemunyengetero