Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

May 27–June 2

PISAREMA 42-44

May 27–June 2

Rwiyo 86 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Shandisa Zvatinodzidziswa naJehovha

(10 min.)

Namata Jehovha pamwe chete nevamwe; zvakanyanya kunaka ndezvekuti uite izvi makaungana nevamwe muchionana chiso nechiso (Pis 42:​4, 5; w06 6/1 9 ¶4)

Nyengetera usati watanga kudzidza Shoko raMwari (Pis 42:8; w12 1/15 15 ¶2)

Tungamirirwa neBhaibheri pane zvese zvaunoita (Pis 43:3)

Kudzidziswa kwatinoitwa naMwari kunoita kuti tikwanise kutsungirira miedzo uye kuti tiite zvatakavimbisa Jehovha patakazvitsaurira.—1Pe 5:10; w16.09 5 ¶11-12.

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 44:19—Mashoko ekuti “nzvimbo inogara hunguhwe” angangodaro achirevei? (it-1-E 1242)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 5 pfungwa 5)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(5 min.) PAIMBA NEIMBA. Koka munhu wacho kuhurukuro yavose inotevera. Ita seuri kumuratidza vhidhiyo inonzi Chii Chinoitwa paImba yoUmambo? mokurukura zvirimo (asi usamuratidza vhidhiyo yacho). (lmd chidzidzo 7 pfungwa 5)

6. Hurukuro

(3 min.) lmd mashoko ekuwedzera A pfungwa 4—Musoro: Pachange pasisina munhu anorwara. (th chidzidzo 2)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 21

7. Ita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yedzidzo Uye Yebasa

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Vechidiki, muri kuronga zvamuchaita kana mapedza chikoro here? Pamwe utori nebasa rauri kufunga kuita iro richaita kuti ukwanise kupayona. Kana kuti uri kufunga kuti pane mamwe makosi aungaita here kuti uve neunyanzvi, kana mapepa achakubatsira kuti uzowana basa akadai secertificate kana dhipuroma. Iyi inguva inofadza muupenyu hwako! Asi unogona kunetseka uchishaya kuti wosarudza zvipi kana kuti unogona kunzwa sekuti unofanira kuita chisarudzo chinofadza vakawanda. Chii chingakubatsira kuti uite zvisarudzo zvakanaka?

Verengai Mateu 6:​32, 33, mobvunza vateereri kuti:

  • Nei zvakanaka kuti uve nezvinangwa zvekunamata usati wasarudza zvaunoda kuita panyaya yebasa nedzidzo?

  • Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vashandise zvatinodzidza pana Mateu 6:​32, 33?—Pis 78:​4-7

Usaita kuti zvisarudzo zvako zvibve pakuda kuunganidza mari kana kuva nemukurumbira. (1Jo 2:​15, 17) Yeuka kuti kuva nemari yakawanda kunogona kutoita kuti zviome kuti munhu agamuchire mashoko eUmambo. (Ru 18:​24-27) Kana munhu akabatikana nekutsvaga mari kuti apfume zvakaoma kuti ave nekutenda kwakasimba uye aise pfungwa pakufadza Jehovha.—Mt 6:24; Mk 8:36.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Ngwarira Kuvimba Nezvinhu Zvinopera!—Pfuma, mobvunza vateereri kuti:

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 47 Nemunyengetero