May 6-12
PISAREMA 36-37
Rwiyo 87 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. “Usarwadziwa Nemhaka Yevakaipa”
(10 min.)
Vanhu vakaipa vanoita kuti tirwadziwe uye titambure (Pis 36:1-4; w17.04 10 ¶4)
Patinoramba takatsamwira ‘vanhu vakaipa,’ tinozvirwadzisa (Pis 37:1, 7, 8; w22.06 10 ¶10)
Kana tiine chokwadi chekuti vimbiso dzaMwari dzichazadziswa, tinova nerugare (Pis 37:10, 11; w03 12/1 13 ¶20)
ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndinonyanya kuisa pfungwa dzangu panhau dzezvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika here?’
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
-
Pis 36:6—Munyori wepisarema angangodaro airevei paakati kururama kwaJehovha kwakaita “semakomo makuru;” [kana kuti, “semakomo aMwari,” mashoko emuzasi.]”? (it-2-E 445)
-
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Pis 37:1-26 (th chidzidzo 10)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(3 min.) PAIMBA NEIMBA. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 5)
5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Edza kutanga kudzidza Bhaibheri nemunhu akamboramba kudzidza nesu. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 4)
6. Hurukuro
(5 min.) ijwbv 45—Musoro: Mashoko ari pana Pisarema 37:4 anorevei? (th chidzidzo 13)
Rwiyo 33
7. Wakagadzirira “Nguva Dzekutambudzika” Here?
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
Pasi rese, hama nehanzvadzi dzedu dziri kufirwa uye kurasikirwa nezvinhu nemhaka yenjodzi dzinongoitika dzega uye dzimwe dzinokonzerwa nevanhu. (Pis 9:9, 10) Tinogona kusanganawo nezvinhu zvakadaro zvinoita kuti titambure, saka tinofanira kugara takagadzirira.
Tinofanira kugara tiine zvinhu zvingazotibatsira kana pakaitika njodzi. a Asi zvii zvimwe zvichatibatsira kuti titsungirire?
-
Iva nemaonero akanaka: Ziva kuti njodzi dzinogona kungoitika uye gara wafunga kuti uchaita sei kana dzikaitika. Usanyanya kuda zvinhu. Izvi zvichakubatsira kuti ukurumidze kuita zvisarudzo zvekuchenjera, zvoita kuti uchengetedze upenyu hwako pane kuda kuchengetedza zvinhu zvako. (Ge 19:16; Pis 36:9) Kana ukasanyanya kuda zvinhu, zvinogona kukubatsira kuti usanyanya kunetseka kana zvinhu izvozvo zvikaparara panoitika njodzi.—Pis 37:19
-
Simbisa Ushamwari Hwako naJehovha: Wedzera kuvimba kwaunoita kuti Jehovha anokwanisa uye anoda kukuchengeta. (Pis 37:18) Njodzi isati yaitika, gara uchizviyeuchidza kuti Jehovha achakutungamirira uye achabatsira vashumiri vake kunyange kana vakarasikirwa nezvinhu zvese.—Jer 45:5; Pis 37:23, 24.
Kana tiine chokwadi chekuti Jehovha achazadzisa vimbiso dzake, tichaita kuti ave ‘nhare yedu munguva yekutambudzika.’—Pis 37:39.
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Wakagadzirira Njodzi Here? mobvunza vateereri kuti:
-
Jehovha anotibatsira sei panoitika njodzi?
-
Zvii zvatingaita kuti tigare takagadzirira?
-
Tingabatsira sei vaya vanenge vawirwa nenjodzi?
8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) bt chits. 9 ¶8-16