Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vechidiki—Musanonoka Kupinda ‘Nepasuo Guru’

Vechidiki—Musanonoka Kupinda ‘Nepasuo Guru’

Zviri nyore kuti tifunge kuti ticharamba tiri vadiki uye kuti hatizosangani nematambudziko anouya nekukura munyika ino yaSatani. (Mup 12:1) Kana uri wechidiki, zvine musoro here kumboverengera uchiti uchazoti wotanga kuita zvaunenge wakaronga pakunamata zvakadai sebasa renguva yakazara?

Vanhu vose kusanganisira vechidiki, ‘vanowirwa nezviitiko zvisingafanoonekwi.’ (Mup 9:11) Hamuzivi “zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana.” (Jak 4:14) Saka musanonoka kuita zvamunenge maronga mune zvekunamata nezvikonzero zvidiki diki. Pindai ‘nepasuo guru rebasa’ mukana wacho uchiripo. (1VaK 16:9) Hamuzombozvidembi.

Zvimwe zvamunogona kuita pakunamata:

  • Kuparidzira nemumwe mutauro

  • Kupayona

  • Kupinda zvikoro zvesangano

  • Kuvaka

  • Kushanda paBheteri

  • Kuita basa remudunhu

Nyora zvaunoda kuzoita.