Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVIREVO 27-31

Bhaibheri Rinotaura Kuti Mudzimai Anokwanisa Akaita Sei

Bhaibheri Rinotaura Kuti Mudzimai Anokwanisa Akaita Sei

Zvirevo chitsauko 31 ine mazano akanaka chaizvo akapiwa Mambo Remueri naamai vake. Mazano avo aizomubatsira kuziva zvekutarisa kana ava kutsvaga mudzimai anokwanisa.

Mudzimai anokwanisa anovimbwa naye

31:10-12

  • Anotaurawo zvaanofunga zvinogona kubatsira pakuita zvisarudzo zvemumhuri asi achizvininipisa

  • Murume wake anomupa rusununguko rwekuita zvimwe zvisarudzo ega, nekuti anovimba naye

Mudzimai anokwanisa anoshanda nesimba

31:13-27

  • Anodzidza kuchengetedza mari uye kurarama upenyu husina twakawanda, kuitira kuti mhuri yake itaridzike zvakanaka uye iwane zvekudya

  • Anoshanda nesimba siku nesikati uye anochengeta pamba pake zvakanaka

Mudzimai anokwanisa akasimba mune zvekunamata

31:30

  • Anotya Mwari uye anosimbisa ushamwari hwake naye