Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Jehovha Anoziva Zvatinoda

Jehovha Anoziva Zvatinoda

Muranda akatendeka akangwara anotipa zvekudya “panguva yakakodzera.” Izvi zvinoratidza kuti Jehovha anoziva zvatinoda pakunamata uye ndiye ari kutungamirira muranda iyeye. (Mt 24:45) Zvinhu zvakaita semagungano edu emunharaunda uye misangano yepakati pevhiki zvinoratidza kuti Jehovha anoziva zvatinoda.

ONA VHIDHIYO INONZI ZVINOITWA NEKOMITI YEKUDZIDZISA-2017, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Ndiani watinofanira kurumbidza nekutipa magungano anotinakidza uye nei?

  • Basa rekuronga gungano rinotanga riini?

  • Misoro yegungano inosarudzwa sei?

  • Ndeapi mabasa anoitwa pakuronga gungano?

  • Madzidzisiro anoitwa kuchikoro cheGiriyedhi anoshandiswa sei pakunyora zvinhu zvatinozodzidza pamusangano wepakati pevhiki?

  • Madhipatimendi akasiyana-siyana anoshanda sei pamwe chete pakugadzira purogiramu yezvekuita uye zvichadzidzwa?

Zvinhu zvatinopiwa naJehovha kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba zvinoita kuti unzwe sei?