Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Jehovha Anoda Munhu Anopa Achifara

Jehovha Anoda Munhu Anopa Achifara

Pana 2 VaKorinde 9:7 tinoudzwa kuti: “Mumwe nemumwe ngaaite sezvaakasarudza mumwoyo make, kwete kuita asingadi kana kuti achimanikidzwa, nekuti Mwari anoda munhu anopa achifara.” Mazuva ano pava nenzira dziri nyore dzekupa zvipo paIndaneti kuti titsigire basa reZvapupu zvaJehovha munyika medu uye pasi rese.

ONA VHIDHIYO INONZI KUPA ZVIPO UCHISHANDISA FONI, TABLET KANA KOMBIYUTA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Tingaita sei kana tichida kuziva nzira dzekupa nadzo zvipo tichishandisa Indaneti munyika medu?

  • Kupa zvipo tichishandisa Indaneti kuri kubatsira sei vamwe?

  • Ndedzipi dzimwe nzira dzatinogona kushandisa pakupa zvipo?

  • Tingaita sei kana tisiri kunzwisisa kuti kupa zvipo tichishandisa Indaneti kunoitwa sei?