Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Usava Nemafungiro Enyika Paunenge Uchironga Muchato

Usava Nemafungiro Enyika Paunenge Uchironga Muchato

VaKristu vanenge vachironga muchato wavo vane zvinhu zvakawanda zvavanofanira kusarudza. Vanogona kuda kutevedzera michato yemaoresa inoitwa munzvimbo yavanogara. Hama neshamwari dzinenge dzichida kubatsira dzinogona kunge dziine zvadzinofunga kuti ndizvo zvinofanira kuitwa pamuchato wacho. Ndeapi mazano emuBhaibheri anobatsira vanenge vachida kuchata kuti varonge muchato wavo nenzira inoita kuti vazosara vaine hana yakachena uye vasingazvidembi?

ONA VHIDHIYO INONZI MICHATO INOKUDZA JEHOVHA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mavhesi ari pasi apa akabatsira sei Nick naJuliana?

  • Nei vaKristu vari kuda kuchata vachifanira kusarudza hama yakasimba pakunamata kuti ive “mutungamiriri wemabiko”?—Joh 2:9, 10.

  • Nick naJuliana vakasarudza kuti muchato wavo unge wakaita sei, uye nei vakadaro?

  • Ndiani anofanira kusarudza zvichaitwa pamuchato?—w06 10/15 25 ¶10.