November 23-29
REVHITIKO 6-7
Rwiyo 46 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Kuratidza Kuonga”: (10 min.)
Re 7:11, 12—Zvimwe zvibayiro zverugare zvaipiwa nemunhu achizvidira achiratidza kuti anoonga Jehovha (w19.11 22 ¶9)
Re 7:13-15—Munhu ainge achipa chibayiro cherugare pamwe chete nemhuri yake, aiita sekuti ari kudya naJehovha achiratidza kuti ane rugare naye (w00 8/15 15 ¶15)
Re 7:20—Chibayiro cherugare chaingogamuchirwa naMwari kana chapiwa nemunhu akachena (w00 8/15 19 ¶8)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
Re 6:13—VaJudha vaiti moto wepaatari wakabatidzwa sei, asi Magwaro anoti chii? (it-1-E 833 ¶1)
Re 6:25—Zvibayiro zvezvivi zvakanga zvakasiyana papi nezvibayiro zvinopiswa uye zvibayiro zverugare? (si 27 ¶15)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Re 6:1-18 (th chidzidzo 5)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (3 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira, wozotaura nezveimwe nyaya iri muNharireyomurindi Nhamba 2 2020, wobva wamupa magazini yacho. (th chidzidzo 3)
Paunodzokera: (4 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira, muudze nezvejw.org, uye musiyire kadhi racho. (th chidzidzo 11)
Chidzidzo cheBhaibheri: (5 min. zvichidzika) bhs 178-179 ¶12-13 (th chidzidzo 6)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Iva Shamwari yaJehovha—Onawo Zvakanaka Zvinoitwa Nevamwe: (5 min.) Ratidzai vateereri vhidhiyo. Kana muungano yenyu muine vana, itai kuti vana vamakatosarudza vauye kuchikuva movabvunza nezvevhidhiyo yacho.
Zvemuungano Yenyu: (10 min.)
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min. zvichidzika) rr chits. 1 ¶1-7, uye vhidhiyo inosuma *
Mashoko Ekugumisa (3 min. zvichidzika)
Rwiyo 37 Nemunyengetero
^ ndima 23 Kana chikamu chichadzidzwa chiine vhidhiyo inosuma, munofanira kutanga maiona musati madzidza ndima dzacho.