Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | REVHITIKO 1-3

Nei Mipiro Yaipiwa?

Nei Mipiro Yaipiwa?

1:3; 2:1, 12; 3:1

Mutemo waMozisi waiti vaIsraeri vanofanira kupa mipiro kana kuti zvibayiro. Jehovha aifadzwa nazvo uye zvaimiririra chibayiro chaJesu uye makomborero aizowanikwa nevanhu nekuda kwechibayiro ichocho.—VaH 8:3-5; 9:9; 10:5-10.

  • Mhuka dzaipiwa sezvibayiro dzaifanira kunge dzakanaka. Izvi zvairatidza kuti Jesu aizopa muviri wake wakakwana usina chivi.—1Pe 1:18, 19

  • Chibayiro chinopiswa chaifanira kupiwa chese kuna Mwari, uye ndizvowo zvakaitwa naJesu, akazvipa nemwoyo wese kuna Jehovha

  • Vanhu vaipa zvibayiro zverugare vairatidza kuti vane rugare naMwari. Saka vaKristu vakazodzwa pavanodya paKudya kwaShe Kwemanheru, vanenge vachiratidza kuti vane rugare naMwari