Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

Bvuma Kubatsirwa naJehovha Kuburikidza Nekunyengetera

Bvuma Kubatsirwa naJehovha Kuburikidza Nekunyengetera

Jehovha ndiye anoita kuti mbeu yechokwadi ive nemidzi uye ikure mumwoyo wemunhu. (1VaK 3:6-9) Saka kuti tibudirire muushumiri, tinofanira kuvimba naJehovha kuti atibatsire uye abatsire vadzidzi vedu veBhaibheri.

Kumbira Jehovha kuti abatsire vadzidzi vako kutsungirira matambudziko uye kuti vakunde zvinhu zvingavatadzisa kufambira mberi. (VaF 1:9, 10) Nyatsodudza zvinhu zvacho. Nyengeterera mweya mutsvene kuti ukutungamirire pane zvaunofunga uye zvaunoita. (Ru 11:13) Dzidzisa vadzidzi vako veBhaibheri kunyengetera uye vakurudzire kunyengetera. Nyengetera nevadzidzi vako uye vanyengeterere uchitaura mazita avo.

ONA VHIDHIYO YAKANZI WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI—BVUMA KUBATSIRWA NAJEHOVHA—MUNYENGETERO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Neeta akasangana nedambudziko ripi paaidzidza naJade?

  • Neeta akabatsirwa sei na1 VaKorinde 3:6?

  • Dambudziko raisangana naNeeta rakagadziriswa sei?