KURARAMA KWECHIKRISTU
Hanzvadzi Dzingawedzera Sei Basa Radzinoitira Jehovha?
Hanzvadzi dzine zvakawanda zvadzinoita mubasa reUmambo. (Pis 68:11) Ndidzo dzinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda zvinoitirwa pamba uye pamapiyona enguva dzese ndidzo dzakawanda. Kune zviuru zvehanzvadzi dzinoshanda nesimba mumabasa akadai sekuvaka, kushanda paBheteri, mamishinari, uye sevashanduri. Hanzvadzi dzakasimba pakunamata dzinosimbisa mhuri uye ungano. (Zvi 14:1) Kunyange zvazvo hanzvadzi dzisingashumiri sevakuru kana kuti sevashumiri veungano, dzinogona kuva nezvinangwa pakushumira Jehovha. Kana uri hanzvadzi, ndezvipi zvimwe zvaungaita kuti uwedzere pane zvaunoitira Jehovha?
-
Kubatsira dzimwe hanzvadzi dzemuungano dzisina ruzivo rwakawanda.—Tit 2:3-5
-
Kuwedzera nguva yaunoita ushumiri uye kuvandudza unyanzvi hwako muushumiri
-
Kudzidza mumwe mutauro
-
Kutamira kunodiwa vaparidzi vakawanda
-
Kunyorera kuti unoshanda paBheteri kana kubatsira pakuvaka zvivakwa zvesangano
-
Kunyorera kuti upinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo
ONA VHIDHIYO INONZI “VAKADZI VARI KUSHANDA NESIMBA MUNASHE,” WOZOPINDURA MUBVUNZO UYU:
-
Zvakataurwa nehanzvadzi imwe neimwe zvakukurudzira sei?