KURARAMA KWECHIKRISTU
Fara Paunenge Uchitambudzwa
VaKristu vanoziva kuti vachatambudzwa. (Joh 15:20) Kunyange zvazvo kutambudzwa pane dzimwe nguva kuchirwadza uye kuchiita kuti tinetseke, kana tikatsungirira tichafara.—Mt 5:10-12; 1Pe 2:19, 20.
ONA VHIDHIYO YAKANZI TINOGONA KUFARA PASINEI NEKUTAMBUDZWA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Zvii zvawadzidza kubva kuna hama Bazhenov panyaya
-
yekuverenga Bhaibheri zuva rimwe nerimwe?
-
yekutsigirwa nehama nehanzvadzi? a
-
yekugara uchinyengetera?
-
yekuimba nziyo dzeUmambo?
-
yekuudzawo vamwe zvaunotenda?
a Tinogona kunyengeterera hama nehanzvadzi dziri mujeri tichitoita zvekutaura mazita avo. Asi hazviiti kuti hofisi yebazi itumire tsamba dzedu kwavari.