KURARAMA KWECHIKRISTU
Jehovha Anokoshesa Minyengetero Yedu
Minyengetero inogamuchirwa naMwari yakaita serusenzi inonhuwirira yaigara ichipisirwa Jehovha mutemberi. (Pis 141:2) Patinoudza Jehovha kuti tinomuda, patinomuonga nezvaanotiitira uye patinomuudza zvinotinetsa nezvatinoda, tinenge tichitoratidza kuti tinokoshesa ushamwari hwatiinahwo naye. Jehovha anoonawo minyengetero mipfupi yatinopa pamisangano sechikamu chinokosha chekunamata kwedu. Asi anofara chaizvo patinoita nguva yakareba tichinyengetera tiri tega tichinyatsomuudza zvese zviri pamwoyo pedu!—Zvi 15:8.
ONA VHIDHIYO INONZI NDINORARAMA NEMINYENGETERO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Hama Johnson vakaita mabasa api pakushumira Jehovha?
-
Hama Johnson vakaratidza sei kuti vaivimba naJehovha kuburikidza nekunyengetera?
-
Wadzidzei kubva pane zvakaitika kuna hama Johnson?