PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Akaratidza Ushingi, Haana Kudzokera Shure, Uye Aishingaira
Jehovha akapa Jehu basa rekuuraya imba yamambo akaipa ainzi Ahabhi (2Mad 9:6, 7; w11 11/15 3 ¶2)
Jehu haana kumbotora nguva, akabva auraya Mambo Jehoramu (mwana waAhabhi) uye Mambokadzi Jezebheri (mudzimai waAhabhi uyo anga ava chirikadzi) (2Mad 9:22-24, 30-33; w11 11/15 4 ¶2-3; ona chati rakanzi “‘Imba Yese yaAhabhi Ichaparara’—2Mad 9:8”)
Jehu akaita zvese zvaakanga audzwa naJehovha. Akaratidza ushingi, haana kudzokera shure, uye aishingaira (2Mad 10:17; w11 11/15 5 ¶3-4)
ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndingatevedzerawo sei Jehu pandinenge ndichiita basa ratakapiwa rinotaurwa pana Mateu 28:19, 20?’