PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Imba Yese yaAhabhi Ichaparara”—2Mad 9:8
UMAMBO HWEJUDHA
Jehoshafati ndiye mambo
munenge muna 911 B.C.E: Jehoramu (mwanakomana waJehoshafati; murume waAtariya, mwanasikana waAhabhi naJezebheri) anosara achitonga ega samambo pashure pekunge ambotonga nababa vake
munenge muna 906 B.C.E: Ahaziya (muzukuru waAhabhi naJezebheri) anova mambo
munenge muna 905 B.C.E: Atariya anouraya veimba yeumambo vese obva atora chigaro. Muzukuru wake anonzi Jehoashi anovigwa neMupristi Mukuru Jehoyadha kuti asaurayiwa.—2Mad 11:1-3
898 B.C.E: Jehoashi anova mambo. Mambokadzi Atariya anourayiwa neMupristi Mukuru Jehoyadha.—2Mad 11:4-16
UMAMBO HWEISRAERI
munenge muna 920 B.C.E: Ahaziya (mwanakomana waAhabhi naJezebheri) anova mambo
munenge muna 917 B.C.E: Jehoramu (mwanakomana waAhabhi naJezebheri) anova mambo
munenge muna 905 B.C.E: Jehu anouraya mambo Jehoramu weIsraeri nehama dzake; Jezebheri, amai vaJehoramu; uye Mambo Ahaziya weJudha nehama dzake.—2Mad 9:14—10:17
munenge muna 904 B.C.E: Jehu anotanga kutonga samambo