PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Garai Muchipa”
Jesu akaratidza kuti kana munhu akava nerupo zvichaitawo kuti vamwe vatevedzerewo. (Ru 6:38) Kana ukagara uchipa, hama nehanzvadzi dzako dzichadawo kuratidza mutsa uye rupo.
Kupa zvichibva pasi pemwoyo uye tichifara chitori chikamu chekunamata kwedu. Jehovha anoona vanhu vane rupo uye vanobatsira vamwe vaKristu vanenge vari mumatambudziko uye anovimbisa kuti achavakomborera.—Zvi 19:17.
ONA VHIDHIYO YAKANZI TINOTENDA NERUPO RWENYU, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Mipiro yaunopa iri kushandiswa sei pakubatsira hama nehanzvadzi dzako?
-
Nemhaka yei tichifanira kuramba tichipa mipiro pasinei nekuti zvatinopa zvacho zvakawanda here kana kuti zvishoma?—Onawo nyaya iri pajw.org yakanzi “Kuzadzisa Kushayiwa Kwevamwe.”