Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ndingaita Sei Kuti Ndisashoresa Sangano raJehovha?

Ndingaita Sei Kuti Ndisashoresa Sangano raJehovha?

Vanhu vanocherechedza mararamiro eZvapupu zvaJehovha. (1VaK 4:9) Tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Matauriro nemaitiro angu anokudza Jehovha here?’ (1Pe 2:12) Zvapupu zvaJehovha zvava nemakore zviine mukurumbira wakanaka. Hatitombodi kuita chinhu chinogona kukanganisa mukurumbira iwoyo.—Mup 10:1.

Nyora kuti muKristu anofanira kuita sei mumamiriro ezvinhu anotevera, uye nyorawo zano reBhaibheri rinobatsira:

  • Munhu asingatendi anokupopotera

  • Hembe dzako, mota kana imba zvakasviba

  • Unoona sekuti mumwe mutemo wenyika unodzvinyirira uye wakaoma kuteerera

Vanhu vanotsvakurudza vanoshanda muDhipatimendi Rekunyora vanobatsira sei kuti tirambe tiine mukurumbira wakanaka?

ONA VHIDHIYO INONZI KUITA KUTI VANHU VADE CHOKWADI UYE VACHIREMEKEDZE, WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:

Chii chinokubaya mwoyo pane zvinoitwa nesangano kuti ribudise zvinyorwa zvakarurama?