KURARAMA KWECHIKRISTU
Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vafadze Mwari
Jehovha anokoshesa vechidiki chaizvo. Anoona kukura kwavanenge vachiita pane zvekunamata uye anocherechedzawo kutsungirira kwavanoita. (1Sa 2:26; Ru 2:52) Kunyange zvazvo vachiri vadiki, zvinhu zvakanaka zvavanoita zvinogona kufadza mwoyo waJehovha. (Zvi 27:11) Achishandisa sangano rake, Jehovha akapa vabereki zvinhu zvakanaka zvekushandisa pakubatsira vana vavo kuti vade uye vateerere Jehovha.
ONA VHIDHIYO INONZI VECHIDIKI—KUTSUNGIRIRA KWENYU KUNOFADZA JEHOVHA! WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Nekufamba kwanga kuchiita makore, zvinhu zvipi zvakabudiswa nesangano raJehovha zvinobatsira vana?
-
Zvii zvinogona kushandiswa nevabereki kubatsira vana vavo?
-
Kana uri wechidiki, zvii zvakabudiswa nesangano raJehovha zvakakubatsira, uye nei uchidaro?