Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

December 16-22

PISAREMA 119:​57-120

December 16-22

Rwiyo 129 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Zvaungaita Kuti Utsungirire Matambudziko

(10 min.)

Ramba uchiverenga uye uchidzidza Shoko raMwari (Pis 119:61; w06 6/15 20 ¶2; w00 12/1 14 ¶3)

Dzidza kubva padambudziko raunenge wasangana naro (Pis 119:71; w06 9/1 14 ¶4)

Kumbira Jehovha kuti akunyaradze (Pis 119:76; w17.07 13 ¶3, 5)

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndezvipi zvandakaitirwa naJehovha kuti ndikwanise kutsungirira matambudziko?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 119:96—Vhesi iyi ingangodaro ichirevei? (w06 9/1 14 ¶5)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Ratidza munhu wacho website yedu, uye mupe kadhi rejw.org. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 5)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Koka munhu wacho kuhurukuro yavose inotevera. Ita seuri kumuratidza vhidhiyo inonzi Chii Chinoitwa paImba yoUmambo? mobva makurukura zvirimo. (lmd chidzidzo 8 pfungwa 3)

6. Kutsanangura Zvaunotenda

(5 min.) Muenzaniso. ijwbq 157—Musoro: Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega? (lmd chidzidzo 3 pfungwa 3)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 128

7. Jehovha Anotibatsira Kutsungirira

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Kana munhu achitsungirira anenge achigona kurarama nematambudziko aanenge achisangana nawo asingakandi mapfumo pasi. Anoramba akatsiga, aine maonero akanaka pamatambudziko acho, aine tariro yekuti matambudziko iwayo achapera. Kana tichitsungirira ‘hatizodzokeri shure’ kana kudzikira pakushumira Jehovha patinenge tiri mumatambudziko. (VaH 10:​36-39) Jehovha anoda chaizvo kutibatsira kuti tikwanise kutsungirira matambudziko.—VaH 13:6.

Pavhesi imwe neimwe, nyora kuti Jehovha anotibatsira sei kutsungirira.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Nyengetererai Zvakasimba Vaya Vari Kutsungirira Matambudziko, mobvunza vateereri kuti:

  • Ko jw.org inotibatsira sei kuti tizive zviri kuitika kuhama nehanzvadzi dzedu dzinenge dzichitambudzwa?

  • Vabereki vangadzidzisa sei vana vavo kuti vanyengeterere vamwe, uye kuita izvi kwakanakirei?

  • Zvakakosherei kuti tinyengetere tichikumbira Jehovha kuti abatsire hama nehanzvadzi dzedu kutsungirira?

  • Kunyengeterera vamwe kunotibatsirawo sei kuti titsungirire matambudziko edu?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 32 Nemunyengetero