Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

December 23-29

PISAREMA 119:​121-176

December 23-29

Rwiyo 31 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Zvaungaita Kuti Usazozvirwadzisa Muupenyu

(10 min.)

Ida mirayiro yaMwari (Pis 119:127; w18.06 17 ¶5-6)

Venga zvinhu zvakaipa (Pis 119:128; w93 4/15 17 ¶12)

Teerera Jehovha uye usaita zvinhu zvinogona kuzokupinza mumatambudziko (Pis 119:​130, 133; Zvi 22:3)

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Zvii zvandingaita kuti ndiwedzere kuda mirayiro yaMwari kana kuti kuvenga zvinhu zvakaipa?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 119:160—Vhesi iyi inoita kuti tive nechokwadi chekuti kudii? (w23.01 2 ¶2)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 5)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Ratidza munhu wacho kuti anowana sei nyaya yaari kufarira pajw.org. (lmd chidzidzo 8 pfungwa 3)

6. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

(5 min.) Batsira munhu waunodzidza naye Bhaibheri uyo asiri kupinda misangano nguva dzese. (lmd chidzidzo 12 pfungwa 4)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 121

7. Usakanganiswa Nenyaya Dzemari

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Vanhu vanoda mari ‘vanozvibaya pese pese nemarwadzo akawanda.’ (1Ti 6:​9, 10) Pasi apa pane marwadzo anokonzerwa nekuda mari uye kuikoshesa zvakanyanya.

  • Hatizokwanisi kuva neushamwari hwepedyo naJehovha.—Mt 6:24

  • Hatizombogutsikani.—Mup 5:10

  • Zvinotiomera kuti tirege kuita zvinhu zvinovengwa naJehovha zvakadai sekuba, kureva nhema uye kutsotsa vamwe. (Zvi 28:20) Kuita izvi kunoita kuti tipedzisire tava kuzvitongesa, tava nembiri yakaipa, uye tisingachafarirwi naMwari

Itai kuti mumwe ari muvateereri averenge VaHebheru 13:​5, mokurukura mubvunzo uyu:

  • Tinofanira kuva nemaonero akaita sei panyaya yemari kuti tisazozvidya mwoyo uye nei tichifanira kuva nemaonero iwayo?

Kunyange kana tisingadi mari, kana tikatadza kushandisa zvakanaka yacho yatiinayo tinogona kusara tava kunetseka.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Ungaita Sei Kuti Ushandise Mari Zvakanaka?, mobvunza vateereri kuti:

  • Kuva nebhajeti kwakanakirei uye tinoiita sei?

  • Zvakanakirei kuchengeta imwe mari padivi?

  • Nei usingafaniri kungozvipinza muzvikwereti zvisina basa?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 101 Nemunyengetero