Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

December 30, 2024–January 5, 2025

MAPISAREMA 120-126

December 30, 2024–January 5, 2025

Rwiyo 144 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

VaIsraeri vakadzoka kubva kuutapwa vari kukohwa vachifara nekuti Jehovha ari kukomborera basa ravo

1. Vakadyara Nemisodzi, Asi Vakakohwa Nemufaro

(10 min.)

VaIsraeri vakafara pavakasunungurwa muBhabhironi kuti vanotangazve kunamata kwakachena (Pis 126:​1-3)

Vaya vakadzokera kuJudhiya vanogona kunge vakachema nemhaka yebasa rakakura ravaizoita (Pis 126:5; w04 6/1 16 ¶10)

Vanhu ivavo vakashingirira uye vakakomborerwa (Pis 126:6; w21.11 24 ¶17; w01 7/15 18-19 ¶13-14; ona mufananidzo uri pakavha)

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Pashure pekunge tanunurwa pahondo yeAmagedhoni, nei zvichada kuti tisunge dzisimbe pakugadzirisa zvinhu zvese panyika? Makomborero api atichawana?

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 124:​2-5—Tingatarisira kuti Jehovha achatichengetedza tiri vapenyu sezvaakaita vaIsraeri here? (cl 73 ¶15)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. (lmd chidzidzo 3 pfungwa 5)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Pawakamboonana nemunhu wacho, akaratidza kuti aisava nechokwadi nezvinotaurwa neBhaibheri. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 5)

6. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 155

7. Fadzwa Nevimbiso dzaMwari

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Jehovha akazadzisa vimbiso dzake kuvanhu vake vaiva nhapwa muBhabhironi. Akavanunura uye akavaporesa pakunamata. (Isa 33:24) Anofanira kunge akavachengetedza pamwe chete nezvipfuwo zvavo kuti vasaurayiwa neshumba uye nezvimwe zvikara zvemusango zvakanga zvawedzera pavaiva kuBhabhironi. (Isa 65:25) Vakanga vava kukwanisa kuvaka dzimba dzavo uye kudya michero yeminda yavo yemizambiringa. (Isa 65:21) Mwari akakomborera basa ravo uye vakararama kwenguva yakareba vachifara.—Isa 65:​22, 23.

Waterfall: Maridav/stock.adobe.com; mountains: AndreyArmyagov/stock.adobe.com

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Fadzwa Nevimbiso dzaMwari Dzerugare—Chidimbu, mobvunza vateereri kuti:

  • Uprofita uhwu huri kuzadziswa sei mazuva ano?

  • Huchazadziswa sei munyika itsva?

  • Ndehupi hwauri kunyanya kutarisira kuzoona huchizadziswa?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 58 Nemunyengetero