November 18-24
MAPISAREMA 107-108
Rwiyo 7 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. “Ongai Jehovha, Nekuti Akanaka”
(10 min.)
Jehovha akatinunura munyika yaSatani sekununura kwaakaita vaIsraeri muBhabhironi (Pis 107:1, 2; VaK 1:13, 14)
Kuonga Jehovha kunoita kuti timurumbidze tiri muungano (Pis 107:31, 32; w07 4/15 20 ¶2)
Kana tikagara tichifunga zvinhu zvatakaitirwa naJehovha tichawedzera kuva vanhu vanoonga (Pis 107:43; w15 1/15 9 ¶4)
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
-
Pis 108:9—Ndechipi chikonzero chingangodaro chakaita kuti Moabhi ifananidzwe ‘nemudziyo waMwari wekugezera’? (it-2-E 420 ¶4)
-
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Pis 107:1-28 (th chidzidzo 5)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(3 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 4)
5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Udza munhu wacho nezveurongwa hwekudzidza nevanhu Bhaibheri uye mupe kadhi rekosi yeBhaibheri. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 3)
6. Hurukuro
(5 min.) ijwyp 90—Musoro: Ndingaitei Kuti Ndisaramba Ndichingofunga Kuti Pane Zvakaipa Zvichaitika? (th chidzidzo 14)
Rwiyo 46
7. Tinoimba Kuti Titende Jehovha
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
Jehovha paakanunura vaIsraeri paGungwa Dzvuku, vaIsraeri vakafara zvisingaiti vachibva vamuimbira rwiyo. (Eks 15:1-19) Varume ndivo vaishaura. (Eks 15:21) Jesu nevaKristu vekutanga vaiimbawo nziyo dzekurumbidza Mwari. (Mt 26:30; VaK 3:16) Nesuwo tinoratidza kuti tinotenda Jehovha nekuimba pamisangano yeungano uye pamagungano. Semuenzaniso rwiyo rwatichangobva kuimba urwo runoti, “Tinokutendai Jehovha,” takatanga kuruimba pamisangano kubvira muna 1966.
Mune dzimwe nzvimbo, varume vanonyara kuimba pazere vanhu. Vamwe havadi kuimba nekuti vanofunga kuti inzwi ravo harinyatsobudi zvakanaka. Asi tinofanira kuyeuka kuti kuimba pamisangano chitori chikamu chekunamata kwedu. Sangano raJehovha rinoshanda nesimba chaizvo kuti pazova nenziyo uye pakusarudza kuti ndedzipi dzichashandiswa pamusangano mumwe nemumwe. Chedu kuzongoimba chete tichiratidza kuda kwatinoita Baba vedu vekudenga uye kuvatenda.
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kufamba Kuri Kuita Sangano Redu—Chipo Chenziyo, Chikamu 2, mozobvunza vateereri kuti:
-
Chii chakaitika muna 1944?
-
Hama dzedu dzekuSiberia dzakaratidza sei kuti dzaida chaizvo kuimba nziyo dzeUmambo?
-
Nei Zvapupu zvaJehovha zvichikoshesa nyaya yekuimba?
8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) bt chits. 18 ¶6-15