Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

November 4-10

PISAREMA 105

November 4-10

Rwiyo 3 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. “Anoyeuka Sungano Yake Nekusingaperi”

(10 min.)

Jehovha ane zvaakavimbisa Abrahamu achibva azvivimbisazve Isaka naJakobho (Ge 15:18; 26:3; 28:13; Pis 105:​8-11)

Zvaiita sekuti vimbiso yacho yakanga isiri kuzozadzika (Pis 105:​12, 13; w23.04 28 ¶11-12)

Jehovha haana kumbokanganwa sungano yaakaita naAbrahamu (Pis 105:​42-44; it-2-E 1201 ¶2)


ZVIBVUNZE KUTI, ‘Kuvimbika kwaJehovha kunondibatsira sei kuti ndivimbe naye?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 105:​17-19—“Zvakataurwa naJehovha” zvakanatsa sei Josefa? (w86-E 11/1 19 ¶15)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(1 min.) PAIMBA NEIMBA. Saimba haana nguva. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 5)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(2 min.) PAIMBA NEIMBA. Pedzisa nyaya yako zvakanaka munhu wacho paanotanga kuda kuita zvenharo. (lmd chidzidzo 4 pfungwa 5)

6. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Ipa munhu wacho magazini ine nyaya yaakafarira pamakambokurukura. (lmd chidzidzo 8 pfungwa 3)

7. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Udza munhu wacho nezveapplication inonzi JW Library® uye mubatsire kuidhaunirodha. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 5)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 84

8. Tingaratidza Sei Kuti Tinoda Jesu?

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Patinoshandisa nguva, simba uye mari yedu pakutsigira zvinhu zvine chekuita neUmambo, tinenge tichiratidza kuti tinoda Mambo wedu Jesu Kristu, akagadzwa naJehovha. Kuita izvi kunoita kuti tiwedzere kudiwa naJehovha uye zvinobatsirawo hama nehanzvadzi dzedu. (Joh 14:23) Nyaya dzinobuda pajw.org dzakanzi “Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo” dzinoratidza kubatsirwa kuri kuitwa hama nehanzvadzi pasi rese nemari dzezvipo.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Zvipo Zvamunopa Zvinobatsira Chaizvo, mobvunza vateereri kuti:

  • Mari yezvipo yakabatsira sei hama dzedu kuti dzikwanise kuwana rusununguko rwekunamata?

  • 2 VaKorinde 8:14 inobatsira sei hama padzinenge dzichishandisa mari yezvipo pakuvaka Dzimba dzeUmambo?

  • Kushandiswa kwemari yezvipo pakushandura Bhaibheri mumitauro yakawanda kuri kubatsira zvakadii?

9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 97 Nemunyengetero