“Mwoyo Wako Ngaurege Kutsauka”
Mitemo yaJehovha inotichengetedza. Kuti itibatsire, tinofanira kuichengeta mumwoyo yedu. (Zvi 7:3) Kana mushumiri waJehovha akarega mwoyo wake uchitsauswa, zvichava nyore kuti akundwe nemiedzo yaSatani. Chitsauko 7 chaZvirevo chinotaura nezvemumwe mukomana akarega mwoyo wake uchitsauswa. Tingadzidzei kubva pakukanganisa kwaakaita?
-
Satani anoedza kutibvisa pana Jehovha achishandisa zvinhu 5 zvataurwa pamusoro apa
-
Uchenjeri nekunzwisisa zvichatibatsira kuona matambudziko anokonzerwa nekusateerera, zvoita kuti titambire kure nezvinhu zvinogona kutikanganisa pakunamata