KURARAMA KWECHIKRISTU
Ungaita Sei Kuti Upe Mhinduro Dzakanaka?
Mhinduro dzakanaka dzinovaka vamwe muungano. (VaR 14:19) Dzinobatsirawo vacho vanenge vapindura. (Zvi 15:23, 28) Saka tinofanira kubva pamisangano tapindura kunyange kamwe chete hako. Dzimwe nguva tinogona kusimudza ruoko asi totadza kusimudzwa. Saka zvakanaka kuti tigare takagadzirira mhinduro dzakawanda.
Mhinduro yakanaka . . .
-
inofanira kunge iri pfupi uye iri nyore kunzwisisa. Kakawanda kacho, haiwanzopfuura masekonzi 30
-
ndeiya yaunotaura nemashoko ako usingaiti zvekuverenga
-
hakusi kungodzokorora zvataurwa nevamwe
Kana uriwe watanga kupindura, . . .
-
taura mhinduro pfupi iri kudiwa
Kana mubvunzo wapindurwa unogona . . .
-
kutaura kuti rugwaro rwuri mundima rwunoenderana sei nezviri kudzidzwa
-
kutaura kuti zviri kudzidzwa zvinoita kuti unzwe uchida kuita sei muupenyu hwako
-
kutsanangura kuti zvatadzidza tingazvishandisa sei kubatsira vamwe
-
kutaura zvakaitika kwauri kana kuti kune vamwe zvinotsigira pfungwa inokosha iri mundima yacho