Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVIREVO 1-6

“Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose”

“Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose”

Jehovha akakodzera kuti tinyatsovimba naye. Zvinorehwa nezita rake zvinoita kuti tivimbe kuti achazadzisa zvose zvaanotaura. Kunyengetera kunotibatsirawo kuti tinyatsovimba naye. Zvirevo chitsauko 3 inotiudza kuti Jehovha ‘acharuramisa nzira dzedu’ kana tikavimba naye.

Munhu anozviti akachenjera . . .

3:5-7

  • anosarudza zvekuita asina kubvunza Jehovha

  • anovimba nepfungwa dzake kana kuti nemafungiro enyika

Munhu anovimba naJehovha . . .

  • anosimbisa ushamwari hwake naye nekuverenga Bhaibheri, kufungisisa uye kunyengetera

  • anoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri kuti azive zvekuita

NDEZVIPI ZVANDINOITA KANA NDICHIDA KUSARUDZA ZVEKUITA?

CHEKUTANGA: Ndinosarudza zvandinofunga kuti ndizvo zvakanaka

CHEKUTANGA: Ndinonyengetera, ndotsvaka kuti Bhaibheri rinoti kudii

CHECHIPIRI: Ndozokumbira Jehovha kuti andikomborere

CHECHIPIRI: Ndozosarudza kuita zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri