Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

VaKristu Vechokwadi Vanozivikanwa Nerudo—Usaita Zvakangokunakira Uye Usakurumidza Kutsamwa

VaKristu Vechokwadi Vanozivikanwa Nerudo—Usaita Zvakangokunakira Uye Usakurumidza Kutsamwa

NEI ZVICHIKOSHA? Jesu akadzidzisa kuti vateveri vake vaizozivikanwa nekuratidzana rudo. (Joh 13:34, 35) Kuti tiratidze rudo serwaKristu, tinofanira kuita zvakanakirawo vamwe torega kukurumidza kutsamwa.—1VaK 13:5.

MAITIRWO AZVO:

  • Kana mumwe munhu akataura kana kuti akaita chinhu chinokurwadza, imbomira woongorora chakonzera dambudziko racho uye zvingazoitika kana ukaita zvauri kuda kuita.—Zvi 19:11

  • Yeuka kuti tese tinotadza, uye dzimwe nguva tinotaura kana kuti kuita zvinhu zvatinozodemba

  • Kurumidza kugadzirisa kusanzwisisana

ONA VHIDHIYO INONZI IVAI NERUDO PAKATI PENYU’—USAITA ZVAKANGOKUNAKIRA UYE USAKURUMIDZA KUTSAMWA, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Zvii zvisina kunaka zvakaitwa nahama Larry pavaikurukura nahama Harris?

  • Chii chakabatsira hama Harris kuti vasakurumidza kutsamwa?

  • Mapinduriro akaita hama Harris akabatsira sei?

Kana tikazvidzora zvichabatsira sei ungano?