KURARAMA KWECHIKRISTU
Vechidiki—Jehovha Ishamwari Yenyu Yepamwoyo Here?
Unoda shamwari yakaita sei? Munhu wese anoda shamwari yakavimbika, isinganyimi, uye ine tsitsi. Izvozvo ndizvo zvakaita Jehovha. (Eks 34:6; Mab 14:17) Anoteerera paunonyengetera kwaari. Anokubatsira pese paunenge uchida kubatsirwa. (Pis 18:19, 35) Anokuregerera paunokanganisa. (1Jo 1:9) Jehovha ishamwari yakanaka chaizvo!
Ungaita sei kuti uve shamwari yaJehovha? Verenga Shoko rake kuti udzidze nezvake. Muudze zvinokunetsa. (Pis 62:8; 142:2) Ratidza kuti unokoshesawo zvinhu zvaanokoshesa, zvakadai seMwanakomana wake, Umambo hwake, uye zvaakavimbisa kutiitira mune ramangwana. Udza vamwe nezvake. (Dhe 32:3) Kana ukashanda nesimba kuti uve shamwari yaJehovha, achava shamwari yako nekusingaperi.—Pis 73:25, 26, 28.
ONA VHIDHIYO INONZI VECHIDIKI—“RAVIRAI HENYU MUONE KUTI JEHOVHA AKANAKA,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Zvii zvaungaita kuti ukwanise kuzozvitsaurira uye kubhabhatidzwa?
-
Vamwe vari muungano vanogona kukubatsira sei kuti ushumire Jehovha?
-
Kuita basa rekuparidza kunosimbisa sei ushamwari hwako naJehovha?
-
Mabasa api aunogona kuita pakushumira Jehovha?
-
Ndeupi unhu hwaJehovha hwaunonyanya kufarira?