Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Mushandirapamwe Unokosha Uchaitwa Muna November Wekuzivisa Umambo hwaMwari

Mushandirapamwe Unokosha Uchaitwa Muna November Wekuzivisa Umambo hwaMwari

Jesu akazivisa “mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.” (Ru 4:43) Akadzidzisawo vanhu kuti vanyengeterere Umambo ihwohwo. (Mt 6:9, 10) Muna November, tichaita mushandirapamwe wekuzivisa vanhu nezveUmambo hwaMwari. (Mt 24:14) Ronga zvinhu zvako kuti uzovapowo pamushandirapamwe uyu. Vaya vachange vari mapiyona ebetsero vanogona kusarudza kuita maawa 30 kana kuti 50 mumwedzi uyu.

Edza kuverengera vanhu vese vauchaparidzira rugwaro runotaura nezveUmambo hwaMwari. Paunenge uchisarudza rugwaro rwekuverenga, funga zvinotendwa nasaimba. Kana munhu akafarira paunomuona kekutanga, mupe Nharireyomurindi yeveruzhinji Nhamba 2 2020. Usanonoka kudzokera kunomuona, uye edza kutanga kudzidza naye Bhaibheri uchishandisa rimwe remabhuku ari muBhokisi Rematurusi Ekudzidzisa. Kwangosara nguva pfupi kuti Umambo hwaMwari huparadze vese vanohupikisa. (Dha 2:44; 1VaK 15:24, 25) Saka ngatiregei kutambisa mukana uyu unokosha wekuratidza kuti tinotsigira Jehovha neUmambo hwake!

Umambo hwaMwari huchaita kuti nyika ive Paradhiso!